Revelation of John 6

Micherechedzo mitanhatu yekutanga inozarurwa

1Zvino ndakaona Gwayana parakazarura chimwe chemicherechedzo, ndokunzwa chimwe chezvisikwa zvipenyu zvina chichiti, senzwi remutinhiro: Uya uone. 2Zvino ndakaona, uye tarira, bhiza jena, naiye wakaritasva wakange ane uta; korona ndokupiwa kwaari, zvino akabuda achikunda, uye kuti akunde. 3Zvino rakati razarura mucherechedzo wechipiri, ndakanzwa chisikwa chipenyu chechipiri chichiti: Uya uone. 4Zvino kwakabuda rimwe bhiza dzvuku; newakaritasva akapiwa simba kuti abvise rugare panyika, nokuti vaurayane; ndokupiwa kwaari munondo mukuru. 5Zvino rakati razarura mucherechedzo wechitatu, ndakanzwa chisikwa chipenyu chechitatu chichiti: Uya uone. Zvino ndikaona, uye tarira, bhiza dema, newakange akaritasva wakange ane chiyereso muruoko rwake. 6Zvino ndakanzwa inzwi pakati pezvisikwa zvipenyu zvina richiti: Chiyero chezviyo nedhenario*, nezviyero zvitatu zvebhari* nedhenario; nemafuta newaini usazvitadzira. 7Zvino rakati razarura mucherechedzo wechina, ndakanzwa inzwi rechisikwa chipenyu chechina richiti: Uya uone. 8Zvino ndakaona, uye tarira, bhiza rakachenuruka, newakange akaritasva zita rake Rufu; uye hadhesi rakateverana naye. Simba ndokupiwa kwazviri kuuraya kusvika pane chechina chenyika, nemunondo, uye nenzara, uye nerufu, uye nezvikara zvenyika. 9Zvino rakati razarura mucherechedzo wechishanu, ndakaona pasi pearitari mweya yevakange vaurawa nekuda kweshoko raMwari, uye nekuda kweuchapupu hwavaiva nahwo. 10Zvino vakadana nenzwi guru vachiti: Kusvikira rinhi, Tenzi, mutsvene uye wechokwadi, regai kutonga nekutsiva ropa redu pane vanogara panyika? 11Zvino kwakapiwa umwe neumwe nguvo refu chena, zvikanzi kwavari vambozorora chinguva chidiki kusvikira vamwewo varanda pamwe navo nehama dzavo dzaiva dzoda kuurawa saivowo vakwaniswa. 12Zvino ndakaona parakange razarura mucherechedzo wechitanhatu, uye tarira, kwakava nekudengenyeka kwenyika kukuru, uye zuva rakasviba sesaga remvere, nemwedzi ukaita seropa; 13nenyeredzi dzedenga dzakawira panyika, semuonde unowisa maonde awo eshure, uchizuzwa nemhepo huru. 14Zvino denga rakabva serugwaro rwakapetwa; negomo rega-rega nechiwi zvakabviswa panzvimbo dzazvo. 15Nemadzimambo enyika, nevanhu vakuru, nevafumi, nevatungamiriri vehondo, nevane simba, nevaranda vese, nevakasununguka vese vakanozvivanza mumapako nemumabwe emakomo, 16zvino vakati kumakomo nekumabwe: Wirai pamusoro pedu, mutivige pachiso chaiye anogara pachigaro cheushe, nepakutsamwa kweGwayana; 17nokuti zuva guru rekutsamwa kwaro rasvika; zvino ndiani anogona kumira?

Copyright information for Shona